feet

Evhangeri yaJohani

A True Story



Izwi rakava munhu

1Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari. 2Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. 3Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. 4Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. 5Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda. 6Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. 7Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. 8Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. 9Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika. 10Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. 11Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. 12Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; 13avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari. 14Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi. 15Johani akamupupurira, akadanidzira, achiti, “Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Uyo, anouya shure kwangu, akavapo mberi kwangu; nokuti akanditangira.’ ” 16Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha. 17Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. 18Hakuna munhu akatongoona Mwari; mwanakomana akabereka ari mumwe oga, ari pachifuva chababa, ndiye akamuzivisa isu.




Jesu anonatsa temberi

13Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo; zvino Jesu akakwira Jerusaremu. 14Akawana mutemberi vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. 15Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. 16Akati kuna vaitengesa njiva, “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yababa vangu imba yokutengesera.” 17Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” 18Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?” 19Jesu akapindura, akati kwavari, “Putsai temberi iyi, ini ndichaimutsazve namazuva matatu.” 20Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?” 21Asi iye akanga achireva temberi yomuviri wake. 22Zvino akati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakayeuka, kuti akanga areva izvozvo; vakatenda Rugwaro neshoko rakanga rarehwa naJesu. 23Zvino nguva yaakanga ari Jerusaremu pamutambo wePasika, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachiona zviratidzo zvaaiita. 24Asi Jesu haana kutendeseka navo, nokuti akanga achivaziva vose. 25Akanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti akanga achiziva iye zviri mumunhu.



Jesu naNikodhimo

1Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha. 2Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.” 3Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” 4Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?” 5Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. 6Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. 7Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. 8Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.” 9Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?” 10Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here? 11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu. 12“Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga? 13“Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” 14Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, 15kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi. 16Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. 17Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. 18Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga. 19Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. 20Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. 21Asi anoita chokwadi, anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.



Jesu nomukadzi weSamaria

1Zvino Ishe akati aziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu akaita nokubhabhatidza vadzidzi kupfuura Johani, 2kunyange Jesu akanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake, 3akabva Judhea, akaendazve Gariria. 4Akanga achifanira kupfuura neSamaria. 5Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nemunda wakanga wapa Jakobho mwanakomana wake Josefa. 6Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu. 7Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” 8Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. 9Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). 10Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.” 11Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? 12Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” 13Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. 14Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” 15Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.” 16Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” 17Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’ 18“Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.” 19Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. 20Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.” 21Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. 22Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. 23Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. 24“Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.” 25Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.” 26Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.” 27Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?” 28Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu, 29“Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” 30Vakabuda muguta, vakaenda kwaari. 31Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.” 32Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.” 33Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?” 34Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake. 35Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe. 36Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose. 37Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’ 38Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.” 39Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi, akapupura, achiti, “Andiudza zvose zvandakaita.” 40Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri. 41Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake. 42Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.” 43Mazuva maviri akati apfuura, akabvapo; akaenda Gariria. 44Nokuti Jesu amene akapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake. 45Zvino akati achisvika Gariria, vaGariria vakamugamuchira, nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita Jerusaremu pamutambo wePasika, nokuti naivo vakanga vaendawo kumutambo wePasika.



Jesu anoporesa munhu padziva reBhetisaidha

19Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo. 20“Nokuti baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kuna iwawa, kuti mushamiswe. 21Nokuti baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda kuraramisa. 22Nokuti nababa havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, 23kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi nababa, vakamutuma. 24“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anonzwa shoko rangu, nokutenda akandituma, ano upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi abva murufu, aenda muupenyu. 25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, nguva inouya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa izwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama. 26Nokuti baba sezvavano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana, kuti ave noupenyu maari. 27Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu. 28“Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa izwi rake, 29vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa. 30“Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. 31Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi.



Jesu chingwa choupenyu

22Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. 23(Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). 24Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu. 25Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?” 26Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. 27Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” 28Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?” 29Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.” 30Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? 31Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ” 32Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. 33Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.” 34Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.” 35Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. 36Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi. 37“Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. 38Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. 39Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira. 40Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.” 41Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” 42Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?” 43Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu. 44“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. 45Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri. 46Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba. 47“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi. 48Ndini chingwa choupenyu. 49“Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. 50Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. 51Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.” 52Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?” 53Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. 54“Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. 55Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. 56Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. 57Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. 58Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” 59Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.



Jesu chiedza chenyika

12Zvino Jesu akataurazve navo, akati, “Ndini chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” 13Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari, “Anozvipupurira iwe; kupupura kwako hakusi kwechokwadi.” 14Jesu akapindura, akati kwavari, “Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda. 15“Imi munotonga nenyama; ini handitongi munhu. 16Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handisi ndoga, asi ini nababa vakandituma. 17Uye mumurayiro wenyu makanyorwa, kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi. 18Ndini ndinozvipupurira, nababa vakandituma, vanondipupurirawo.” 19Zvino vakati kwaari, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura, akati, “Hamundizivi ini, kunyange nababa vanguo; dai maindiziva ini, maizivawo nababa vangu.” 20Akataura mashoko awa paichengeterwa mari achidzidzisa mutemberi; kwakanga kusina munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.



Jesu anoporesa munhu akaberekwa riri bofu

1Akati achipfuura, akaona munhu akanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake. 2Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?” 3Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. 4Ndinofanira kubata basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubata basa nahwo. 5Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.” 6Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake, 7akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona. 8Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?” 9Vamwe vakati, “Ndiye;” vamwe vakati, “Kwete, asi akatodzana naye.” Iye akati, “Ndini.” 10Zvino vakati kwaari, “Meso ako akagosvinudzwa seiko?” 11Akapindura, akati, “Munhu anonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri, enda Siroami, undoshamba; naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.” 12Vakati kwaari, “Iye aripiko?” Akati, “Handizivi.”



Mufananidzo womufudzi akanaka

7Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. 8Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. 9“Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. 10Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda. 11“Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. 12Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; 13anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. 14Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, 15Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. 16Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. 17“Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve. 18Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.” 19Ipapo kupesana kukamukazve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo. 20Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa, anopenga; munomuteerereiko?” 21Vamwe vakati, “Mashoko awa haati ari omunhu akabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?”



Jesu anovaudza zvorufu rwake nokukudzwa kwake

20Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamatako; 21ivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGariria, vakakumbira kwaari, vachiti, “Ishe, tinoda kuona Jesu.” 22Firipi akaenda, akandoudza Andireya; Andireya akaenda naFiripi, vakandoudza Jesu. 23Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. 24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. 25Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. 26Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza.



Jesu anovaudza kuti Judhasi achamupandukira

31Zvino akati abuda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana akudzwa maari; 32kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudza iye maari, uchamukudza pakarepo. 33Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’ 34“Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. 35Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”



Jesu anonyaradza vadzidzi vake

1“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. 2Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. 3“Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. 4Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.” 5Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?” 6Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. 7Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.” 8Firipi akati kwaari, “Ishe, tiratidzei baba zvigotiringana.” 9Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei baba?’ 10Hautendi here kuti ndiri muna baba nababa vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo. 11Nditendei kuti ndiri munababa, nababa vari mandiri; kana kusi kudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene. 12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba. 13Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti baba vakudzwe muMwanakomana. 14Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.


15“Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. 16Neni ndichakumbira baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; 17ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu. 18“Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. 19“Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. 20Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. 21“Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” 22Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” 23Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari. 24Asingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, harisi rangu, asi nderababa vakandituma. 25“Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi. 26Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, achatumwa nababa muzita rangu, iye achakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri. 27“Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. 28Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna baba; nokuti baba vakuru kwandiri. 29Zvino ndakuudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. 30Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika anouya; asi haana chinhu kwandiri; 31asi izvi zvinoitika kuti nyika izive kuti ndinoda baba, uye kuti sezvandakarairwa nababa, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.



Mudzambiringa namatavi

1“Ndini mudzambiringa wechokwadi, baba vangu murimi. 2Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero. 3Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri. 4Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumudzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri. 5“Ini ndiri mudzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. 6Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve. 7Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa. 8Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. 9Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu. 10Kana muchichengeta mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirayiro yababa vangu, ndichigara murudo rwavo. 11“Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. 12Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. 13Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake. 14Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini. 15Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naishe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna baba vangu, ndakakuzivisai izvo. 16“Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna baba muzita rangu, vakupei icho. 17“Ndizvozvi zvandinokurayirai, kuti mudane.



Munyengetero mukuru waJesu

1Jesu akataura izvozvi, akatarira kudenga, akati, “Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi, 2sezvamakamupa simba pamusoro pevanhu vose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi. 3Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari ari oga wechokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma. 4Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite. 5Zvino imi baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo. 6“Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, mukandipa ivo, vakachengeta shoko renyu. 7Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri. 8Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi. 9“Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi ivo vamakandipa, nokuti ndivo venyu. 10Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakudzwa mavari. 11Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu. 12Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike. 13Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari. 14“Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. 15Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. 16Havasi venyika, seni ndisi wenyika. 17“Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. 18Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. 19Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi. 20“Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, 21kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma. 22“Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe; 23ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada sezvamakandida ini. 24“Baba ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa. 25“Baba vakarurama, nyika haina kukuzivai; asi ini ndakakuzivai, naivava vakaziva kuti makandituma. 26Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”



Jesu anoroverwa pamuchinjikwa

28Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.” 29Pakanga pamirepo hari izere nevhiniga; zvino vakaisa chipanje chizere nevhiniga parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake. 30Zvino Jesu akati agamuchira vhiniga, akati, “Zvapera!” Akakotamisa musoro wake, akapa Mwari mweya wake. 31Zvino zvawaiva musi woKugadzirira Pasika, vaJudha vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbi irege kugara pamuchinjikwa neSabata, nokuti zuva iro reSabata raiva guru. 32Naizvozvo varwi vakauya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye; 33asi vakati vachisvika kuna Jesu, vachiona kuti atofa hake, havana kuvhuna makumbo ake, 34asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda. 35Uyo akaona, ndiye akapupura, uye kupupura kwake ndokwechokwadi; iye anoziva kuti anoreva zvechokwadi, kuti nemiwo mutende. 36Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.” 37Norumwe Rugwaro runoti, “Vachatarira uyo wavakabowora.”



Jesu anozviratidza kuvadzidzi, Tomasi asipo

19Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!” 20Zvino akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachiona Ishe. 21Jesu akatizve kwavari, “Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo.” 22Zvino akati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. 23Avo, vanoregerera zvivi zvavo, varegererwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.”